Vashandi vopona nehwakumukwaku


02 May 24

Click here to watch video

Vashandi pasi rose vakapemberera zuva ravo reWorkers day iro rinopembererwa musi wa1 Chivabvu makore ose.

Dingindira remhemberero idzi gore rino rainzi ensuring safety and health at work in a changing climate.

Vashandi vanosangana nematambudziko makukutu zvikuru enjodzi pamwe nezvinovhiringa utano hwavo mukushanda kwavanoita.

Kusanduka kwekunze nderimwe rematambudziko akatarisana nevashandi.

Kupisa kwakanyanyisa kunokanganisawo utano hwevashandi.

Kushaya zvekudya zvinovaka muviri zvichikonzerwa nekusanaya kwakanaka kwemvura.

MuZimbabwe vashandi vazhinji vakaungana munzvimbo dzakatsaukana kucherechedza zuva iri.

Vazhinji vavo vainge vachinyunyuta kuomerwa neupenyu sezvo kumabasa kwavanoshanda vari kutambira mari dzisingakwanire.

Sangano re Zimbabwe Congress of Trade Union rakakurudzira hurumende kuti igadzirise nyaya dzezveupfumi zvinosanganisira kushaya simba kwemari yemuno.

Vashandi vazhinji vorarama nehwakumukwaku kuitira kuti mhuri dzavo dzirarame

Vashandi vazhinji vanoshandira zvitoro zviri muguta reKwekwe vakauza pepa nhau rino kuti vanotambira mari isingadarike $120 pamwedzi zvakare vasingapihwe mazuva ekuzorora.

Mumwe asina kuda kutaura zita rake akati iye ave kutowedzera pay yake nekubira waanoshandira.

‘’Ndinotambira $150 pamwedzi asi chikamu chikuru chemari iyi chinoenda kuRent ne Transport.Izvi zvinoreva kuti mhuri yangu hayizokwanisi kuwana mari yekutenga zvekudya nekupfeka.’’

‘’saka zvinondimanikidzira kuti ndiitewo ma deals pabasa pandinoshanda ,zvisingazivikanwi nemurungu’’akadaro mushandi uyu.

Asi vana muzvinabhizimusi vanoti mamiriro ezveupfumi munyika ndiko kuri kukonzera kuti navo vakundikane kunyatsobhadhara mari inokwanira sezvo naivo vakaomerwa nekubhadhara mitero iyo inotora mari zhinji